Librería Samer Atenea
Librería Aciertas (Toledo)
Kálamo Books
Librería Perelló (Valencia)
Librería Elías (Asturias)
Donde los libros
Librería Kolima (Madrid)
Librería Proteo (Málaga)
Vana vatatu vanoshanyira kuGreat Zimbabwe navabereki vavo. Zvino vari muzhira kudzokera kumba kuHarare, vanotenga Shiri yeZimbabwe yakavezwa nomunyaka pamusika uri parutivi pomugwagwa, kubva kune imwe harahwa. Shiri iyi ine mashiripiti, naizvozvo vana vanofara chose nayo. Batana nevatatu ava neshamwari yavo, zigondo rinonzi Hungwe, pavanopinda munguva yakapfuura vachindodzidza pamusoro penyika yavo yavanodisa, Zimbabwe. Bhuku iri rakanakira kudzidzisa vana kuverenga chiShona, uyevo kuvadzidzisa zvimwe zvezvinhu zvakaitika munyika yavo yeZimbabwe. Rinobetsera kusimbisa muvana kuti vanombova vanani ivo. Iri ibhuku rokutanga pamatatu anotaura zvenyaya yeVana vatatu naHungwe.